top of page

Search Results

8 items found for ""

  • ACIDS / NYON'O

    ZVINORATIDZA KUTI UNE NYON'O -kurumwa rumwa , kurira kana kurwadziwa nemudumbu -chirungurira -kudzvova zvinovava -kuita seune chikafu chakagara pahuro chiri kunetsa kumedzeka -pahuro panorwadza -kuita kunge izwi rakunoshoshoma -kunhuhwa mukanwa -kumira moyo kana kurutsa -kuchaya -kushaya hanya nechekudya -kutemwa nemusoro mate achiwanda mukanwa -kunzwa kuda kuenda kuchimbuzi koshaya chinobuda -kuita tsvina yakaomarara kana diki yakaita senhoko dzembudzi ZVIKAFU ZVINO KWIDZA NYON'O -michero yakaita semaranjisi , mandimu ( citrus fruits ) -zvinanazi -zvinwiwa ( fizzy drinks ) -putugadzike yemhando ye coffee -garlic mbishi -madomasi nezvese zvino gadzirwa nemadomasi ( ketchup) -hwahwa -chikafu chakabikwa mumafuta ( fried foods ) -makwenzi anoshandiswa pakurungisa ( spices ) -chikafu chakatonhora -zvinwiwa zvekuwedzera simba ( energy drink ) ZVATINGAITE KUTI TIBATSIRIKE -idyai mabanana akaibvisa musati madya -musadye zvikafu zvese zvino kwidza nyon'o -musadye mave kunorara . Ipai dumbu nguva yekugaya chikafu musati mazorora -musadye zvekugutisa -inwai mvura yakawandisa marita maviri kana matatu pazuva -inwai kapu imwe yemvura musati madya -isai shizha re bay leaf muhusavi hwenyu rino batsira pakufifutirwa nechirungurira -torai mbatatisi mbishi ne kabhiji mbishi mozvigaya pamwe chete mozvinwa katatu pazuva mazuva matatu -inwai mhodzi mbishi dzemapopo semapiritsi nemvura mazuva matatu -fashaidzai tsangamidzi mumvura monwa se putugadzike -isai mashizha emugwavha mumvura inopisa monwa seputugadzike . HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • BEADS

    In African Traditional Religion beads are worn on the neck , wrists , ankles , hair and waist . Beads were worn to convey specific information about the family background , clan or wealth . Beads are / were used for prayer , rituals , anti - tension devices , currency and gaming . ANKLETS ( HOMO ) Anklets are worn for medical , spiritual and ornamental purposes . Most common types of anklets are either copper or silver . Anklets can be made using nylon , plastic , leather and beads . REASONS FOR WEARING WAIST BEADS - Gauging changes in weight ie loss or gain . - A symbol of sensuality - Heritage and pride - Posture - Spiritual wellbeing - Rite of passage HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • CHIFUMURO

    Gwenzi iri rinofumura zvese zvakaipa zvingadai zvakaitwa pamutumbi wako . Gwenzi iri rinoshandiswa pagezo /natiro pakuchenura mutumbi ,rinonwiwa ( kubvisa hudyiswa ) , roiswa pamarasha sepfungaidzo yekudzinga mhepo dzakaipa . Chifumuro chinokushwa zvakare mumba / panze chakaiswa mumvura . Vane hukwati hunopepereka isai chifumuro pamunochengeterwa hukwati hwenyu . Chifumuro is a herb whose name is derived from the verb kufumura ( to expose ) . The herb exposes all unexplained illnesses or mishaps . Chifumuro can be consumed as a herbal tea or added to porridge ( mealie meal , sorghum or millet etc porridge ) to cleanse the system , can be added to your bath water to get rid of negative energy . Chifumuro can also be used for saging or steaming . HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • BUTE - SNUFF

    BUTE-SNUFF Bute is made from CHAMBWA - tobacco leaves moulded , dried and grounded and sieved to make Bute / Snuff . We have three types of Bute in stock steamed ( rematare ) , mbishi or rehondo ( raw ) and mudhombo . We use Bute for the removal of negative energies , uplifting of positive energies , it enhances spiritual sight ,it cures a lot of diseases , it is used for summoning during all traditional ceremonies and it strengthen the spiritual link between the living and the ancestors . We can use Bute - Snuff for bathing , steaming , snuffing , summoning our ancestors and saging . Bute - Snuff is the most important herb in our African Traditional Religion. Bute rinogadzirwa kubva pachambwa chinodzvurwa chosefwa rimwe roshanda riri mbishi rimwe robikwa .Tine mhando nhatu dzebute ratinaro pari zvino . Tine bute mbishi ( rehondo ), rematare( rakabikwa ) nemudhombo . Bute rinodzingiswa mhepo dzakaipa , rinosimudzira mhepo dzakanaka ,rinovhura makope ,rinorapa zvirwere zvakawanda ,rinoshandiswa pamisumo yese inoitwa pachivanhu, rinosimbisa hoche koche yehomwe nemhepo nekuvhura masango . Bute rinogezwa ,rinonatirwa , rinopfungaidzirwa mumba ,rinokushwa mumba nepanze ,rinozorwa rakadaro pamutumbi uyezve rinoputwa . Gwenzi iri ndiro gwenzi guru pachivanhu rinosunungura matambudziko mazhinji ane vakawanda . HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • MORINGA

    Moringa Oleifera is also known as Moringa , drumstick tree , horseradish tree , ben oil tree or benzolive tree . Various parts of the Moringa tree are edible - immature seed pods ( drumsticks ) , leaves , mature seeds , flowers roots , bark and sap are used in traditional medicines . Moringa leaves are the most nutritious part of the plant can be cooked and used in similar ways to spinach or can be dried and crushed into a powder for soups and sauces . The immature seeds pods ( drumsticks ) are consumed in Asia by parboiling and cooking in a curry until soft . Seeds are removed from the mature pods and eaten like peas or roasted like nuts . Oil can be extracted from the seeds which can be used in cooking , perfumes ,hair products and machine lubricants . Moringa can be taken for - anaemia - athiritis - asthma - cancer - stomach pain and ulcers - headaches - heart problems - high blood pressure - kidney stones - symptoms of menepause - thyroid disorders and infections - immune booster - an antioxidant - reducing swelling - increases sex drive - increases breast milk production Moringa can be applied directly to the skin as a germ killer , can treat pockets of infection ( abscesses ) , atheletes foot , dandruff , gum diseases , snake bites , warts and wounds . HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • MASUMIRWO ANOITWA ZVISHANDISWA

    Pamusoroi varidzi venzvimbo ino,pamusoroi verudzi(revai dupo),pamusoroi vembereko(revai dupo),pamusoroi mbuya(mai vababa-revai dupo),pamusoroi mbuya(mai vamai-revai dupo),pamusori vashavi vakachena vekumasango neve kumvura ndini (taurai zita renyu ne surname). Ndauyawo kunemi mose Midzimu yakakomba dare rangu kuti mundiyereserewo (chinoti -revai zvamuri kuda kuyereserwa zvacho) ndinokumbira kwamuri varume vakuru nevakadzi vakuru vakakomba dare rangu kuti muite mukomberanwa mupe simba ku gwenzi iri (taurai zita raro). Gwenzi iri ndichada kuzorigeza/kunatira naro rigodzinga mhepo dzakaipa rosimudzira chakanaka chakachena cherudzi rwangu. Gwenzi iri ndinoda ribvise huyanga hwese hwakaitwa pamutumbi wangu newakaipa angave mutorwa kana hama,mupenyu kana akafa. Pandichanwa ngwenzi iroro ndinokumbirisa kuti hudyiswa hwese huri mudumbu mangu ne huri muropa rangu hubviswe. Chese chandakaitirwa newakaipa chinovhiringa chiraramo changu nhasi uno ndinoti chibvisei kuburikidza nekushandisa gwenzi irori. Mhepo dzese dzakaipa dzinoteverana neni pandigere ngadzizorodzwe pachipfungaidzira gwenzi irori pamarasha. Simbisai gwenzi iri rishande kukusha mumba nepanze kusudurudza mhepo yerima. Handina rakaipa randiri kubatira ani zvake asi kutsvaga kuponeswa kwangu. Chiitai kuti hupenyu hwangu hushanduke ndisarambe ndiri gomba remarara. Ndinodawo kusimudzirwa kusvika parunhengatenga ndigodyawo ndichipfachura. Ndinodawo musha unoita chin'ai,masango azaruke nekuyanana kwemhuri. Randanga ndichirevedzana nemi varidzi vedunhu rino,verudzi rwangu(revai dupo),vembereko(revai dupo),mbuya mai vababa(revai dupo),mbuya mai vamai(revai dupo) nevashavi vemusango nevekumvura takurai mazwi angu moendesa kuMhondoro idzowo Mhondoro dzosvitsa kuMakombwe iwo Makombwe osvitsa kuna Musiki. NB MAZWI EMISUMO MUNOWEDZERAWO ENYU ZVINOENDERANAWO NEMI ISU TONGOPA GUIDELINE TINOTENDA👏🏿👏🏿👏🏿 HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • NDOVE YE NZOU

    Inobatsira zvinotevera -vanobuda musana ( piles ) . Munoisa pamarasha motangira hutsi hwacho . - Kudzinga mweya wakaipa - Kupfungaidzira mumba - Inorapa mututu - isai pamarasha mofema hutsi hwacho - Inorapa munyaviri - isai mumvura inofashaira moita zvekunatira - Mushonga wemasuwo - munoisa mumvura monwa - Ndove yenzou inosanganiswa nezvimwewo zvinoshandiswa pakudzinga mweya yakaipa zvoshandiswa pamwe chete sembanda , mutandangozi nemafuta ehwai - Inoiswa pamarasha sepfungaidzo pane anenge arohwa nezve husiku HERBAL MEDICINES INC +447470168471

  • RESURRECTION BUSH (MYROTHANAMNUS FLABELLIFOLIUS)

    It is named resurrection bush because for most of the year it is a reddish-brown with dead leaves but when it rains it revives quickly and it becomes green. It can be used for steaming, bathing (soak in water first to revive the bush), consumed as a herbal tea, added to porridge (in powder form) and used for smudging. BENEFITS 1. Caffeine free 2. Helps prevents muscle cramping 3. Fights premature aging and oxidative stress caused by hectic lifestyles 4. Has cancer reducing properties 5. An immune booster 6. Decoctions fends off flu, coughs, inflammation, headaches, backaches, bad breath, hypertension, kidney disorders, haemorrhoids, menstrual pain and scurvy 7. Has naturally occurring sodium which helps the body to hold water hence staying hydrated 8.Treats abrasions 9. Helps regulate blood pressure 10. Benefits those who suffer from fatigue and low energy 11. High in antioxidants 12. The leaves are a source of arbutin which is known to help clear age spots and scars 13. Inhalation of smoke from burning the dry leaves treats chests complaints and asthma 14. The resurrection bush is used for cleansing the body getting rid of negative energies and reviving and uplifting the positive vibe in seemingly dying relationships, marriages, spiritual matters, businesses etc. MUFANDICHIMUKA (UMFAVUKE) Unonwiwa seputugadzike , unonatirwa nawo , unogezwa , unopfungaidzwa pamarasha , unoiswa mubota nekuiswa mumafuta ekuzora . ZVARINOBATSIRA 1. Rinomutsiridza zvese zvingadai zvakuita sezvakunofa e.g. wanano, bhizinesi, zvemidzimu nemashavi, rudo etc 2. Gwenzi iri rinochenura (nyikai mumvura kana ramuka moshandisa mvura yacho) pamutumbi, mumba, pachivanze, munzvimbo yekutengesera etc. kuti zviendeke 3. Unodzorera mhepo dzakaipa kwadzakabva 4. Unodzinga mhepo dzakaipa uchimutsiridza mhepo (zvipo) zvakanaka kuti zvitambanuke 5. Unouchika 6. Unogona kushandiswa nemamwe makwenzi echenura sebute,mbanda nechifumuro 7. Unorapa zvirwere zvakaita sedzihwa, musana, marwadzo ekunguva, kunhuhwa mukanwa, mudumbu, matambudziko eitsvo ne kubatsiridza kufamba zvakanaka kweropa mutsinga 8. Unorapa manyoka kuhuku 9. Unobatsira kune vaye vanogonzwa kuneta nekupera simba 10. Unosimudzira masoja emuviri muropa 11. Mashizha acho akawoma (akadzvurwa) anoshandiswa kurapa hutsva nemaronda 12. Rinobatsira panatambudziko emuchipfuva uye pachirwere che asthma HERBAL MEDICINES INC +447470168471

bottom of page